Accessibility links

Breaking News

BAZ Inoshambadza Marezinesi Maviri eKutepfenyura


Boka rinopa marezenisi ekutepfenyura munyika rinoti riri kukoka vanoda kutepfenyura kuti vanyorere kwariri vachikumbira mvumo yekuita izvi. Broadcasting Authority of Zimbabwe, kana kuti BAZ, iyo inotungamirwa naVaTafataona Mahoso, sasachigaro webhodhi rayo, yashambadza kuti ichapa marezenisi maviri kumarhedhiyo achange achitepfunyura munyika.

Vari kuda kupinda mubhizinesi iri vanofanirwa kunyorera kumahofisi eBAZ musi wa30 Chikumi usati wasvika.

Muchiziviso chayaburitsa mubepanhau reHerald, BAZ inoti vanoda marezenisi aya vanofanira kubhadhara madhora zviuru zviviri nemazana mashanu, semari yekuti magwaro avo aongororwe.

Pamusoro pezvo, vanenge vapihwa rezenisi neBAZ vachange vachibhadhariswa zviuru gumi nezvishanu zvemadhora pagore rega rega kwemakore gumi.

Aka ndekekutanga boka iri richishambadza kuti rava kuda kupa marezenisi kubva pakaumbwa hurumende yemubatanidzwa muna 2009.

Masangano evatori venhau neawo anorwira kuvandudzwa kwemasai sai anoti zvaitwa neBAZ hazvina kukwana nekuti vanodawo kuti vanhu vapihwe marezenisi ematerevhizheni pamwe nemarhedhiyo ekumatunhu kana kuti ma community radio stations.

Mutevedzeri wasachigaro weMedia Institute of Southern Africa-Zimbabwe Chapter, kana kuti MISA Zimbabwe, VaNjabulo Ncube, vanoti havana chokwadi nezviri kuitwa neBAZ.

MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti hairemekedzi bhodhi reBAZ sezvo risina kugadzwa zviri pamutemo sezvinodiwa nechibvumirano cheGlobal Political Agreement.

Mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti sezvo bhodhi reBAZ risiri pamutemo, bato ravo rinoona zviri kuitwa neBAZ sekutungana kwembudzi.

Danho ratorwa neBAZ riri kutambirwa nenzira dzakasiyana siyana.

Vamwe vari kuona danho iri senhanho yekutanga nyika yakananga mukusunungurwa kwemitemo ine chekuita nenyaya dzenhepfenyuro.

Asi vamwewo ndivo vari kutiwo danho iri ratorwa sezvo paine kurudziro iri kubva kusangano reSADC pamwe nemapato eMDC yekuti Zanu PF itevere zviri muchibvumirano cheGPA kuburikidza nekubvumidza dzimwe nhepfenyuro kutanga basa.

Vanhu ava vari kuti danho iri ratorwa zvikuru pakatariswa musangano weSADC uri kuitwa kuSouth Africa mwedzi unouya, kuitira kuti paonekwe sepane zviri kuitwa mukutevera GPA.

Asi MDC-T inoti haina kusumwa pakaumbwa bhodhi reBAZ negurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaWebster Shamu, sezvinodiwa nechibvumirano cheGPA.

Mukuru weRadio VOP, VaJohn Masuku, vanoti vanotambira zvavo danho ratorwa neBAZ, asi vati panofanirwa kutariswa maumbirwo akaitwa bhodhi reBAZ sezvo pasati pajekeswa.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, uye vachishanda nesangano reInstitute for Democratic Alternatives for Zimbabwe, VaJoy Mabhenge, vanotiwo BAZ iri kuda kungobata vanhu kumeso kuitira musangano weSADC uri kutarisirwa kuitwa mwedzi unouya kuSouth Africa.

Tichiri panyaya iyi, bato re MDC inotungamirwa nava Morgan Tsvangirai rinoti rakagara rabuda pachena kuti harina kufara nemasarudzirwo akaitwa nhengo dzebhodhi re Brodacasting Authority Of Zimbabwe negurukota rezvekuburitswa kwemashoko, va Webster Shamu.

MDC-T inoti vaShamu vakaita humbimbindoga pavakagadza bhodhi re BAZ rinotungamirwa nava Tafataona Mahoso, vasina kugara pasi nevamwe vari mhurumende sezvinodiwa neGlobal Political Agreement. Nokudaro MDC inoti haitambiri zvinoitwa nebhodhi re BAZ nokuti kwairi, harisi pamutemo.

XS
SM
MD
LG