Accessibility links

Breaking News

IOM Inopa Michina Chirongwa cheKuverengwa kweVanhu


Sangano rinoona nezvekutama kwevanhu vachienda kune dzimwe nyika, reInternational Organisation for Migration, IOM, rapa michina yechizvino-zvino kubazi reZimbabwe National Statistical Agency, ZIMSTAS, kuti rigoshandisa michina iyi mukuverengwa kwezvizvarwa zveZimbabwe, zvikuru zviri kunze kwenyika.

IOM inoti danho rayaita iri richabatsira zvikuru mukubuda nehuwandu hwechokwadi hwezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, sezvo pasina huwandu chaihwo hunozivikanwa pari zvino.

Pane fungidziro yekuti pane zvizvarwa zveZimbabwe zviri pakati pechidimbu chemiriyoni kusvika kumamiriyoni mana zviri kunze kwenyika.

Bazi reZIMSTAT rakatotanga kare hurongwa hwegadziriro yekuverengwa kwevanhu, uhwo huri kutarisirwa kutanga muna Nyamavhuvhu wegore rinouya.

Pari zvino bazi iri riri mubishi rekutara miganho yematunhu achange achiverengwa vanhu, senzira yekuona kuti munhu wese haazosari asina kuverengwa.

Mukuru weZIMSTAT, VaMoffat Nyoni, vaudza Studio7 kuti vatambira chipo chemichina ichi nemufaro mukuru, sezvo ichashandiswa mumabasa akawanda akaita sekutarwa kwemiganhu, vasati vatanga hurongwa hwekuverengwa kwevanhu.

Sachigaro weGlobal Zimbabwe Forum muSouth Africa, VaSolomon Chikowero, vanotiwo sangano ravo rinotambira nemufaro danho reIOM iri sezvo izvi zvichizoita kuti pazivikanwe huwandu chaihwo hwevanhu vari kunze kwenyika.

VaChikowero vakurudzirawo zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika kuti zvibude pachena kana kuverengwa kwevanhu kuchinge kwoitwa.

XS
SM
MD
LG