Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti Munyika Ngamuitwe Sarudzo Dzakachena


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanoti ivo nebato havasi kuzopinda musarudzo dzinenge dziine mhirizhonga.

Vachitaura mumshoko avo ekupera kwegore VaTsvangirai vanoti hurumende yemubatanidzwa ine zvakawanda zvayakaunza kuti vanhu vagarewo zvakanaka.

Asi VaTsvangirai vanoti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ndivo vakakanganisa hurongwa hwekuti zvinhu zvifambe nekusatevedzera kwavo kuita zviri muchibvumirano cheGlobal Political Agreement, kana kuti GPA.

Mutungamiri wehurumende anoti kuti munyika muitwe sarudzo, panofanira kunge paine hwaro hwesarudzo hwakajeka uye SADC neAfrican Union dzinofanirwa kuva nechekuita nesarudzo idzi. VaMugabe vaimbenge vati hurumende yemubatanidzwa inofanirwa kupera gore rinouya pozoitwa sarudzo muna Chikumi.

Asi mushure memusangano wekupera kwegore pakati pavo, VaTsvangirai nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, pamwe naVaMugabe, vakati pane zvinhu zvinoda kuti zviitwe sarudzo dzisati dzaitwa.

Izvi zvinosiyana zvikuru nezvavaimbenge vataura zvekuti sarudzo dzinotoitwa chete kunyange zvimwe zviri muGPA zvisati zvazadzikiswa.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaHopewell Gumbo, vanoti VaMugabe havangatevedzerwi zvavanenge vataura nekuti vanogona kuchinja maitiro avo.

XS
SM
MD
LG