Accessibility links

Breaking News

NCA Yoparidza Vhangeri Pamusoro peReferendamu kuMaruwa


Sangano rinorwira kuti munyika muve nebumbiro idzva remitemo yenyika, reNational Constitutional Assembly, kana kuti NCA, rinoti richange riine misangano yekudzidzisa vanhu kuti varambe kutambira bumbiro idzva remitemo yenyika riri kuumbwa nehurumende pareferendamu ichaitwa.

Sangano iri rinoti sachigaro waro, VaLovemore Madhuku, vachange vari mudunhu reGokwe muMidlands neChina, kotiwo neChishanu vachange vari muMashonaland West. VaMadhuku vachange vachitaura nevanhu pamusoro pehurongwa hwavo, uye vachapawo mukana wekunzwa pfungwa dzavanhu.

Pasi pedingindira rinoti “Take Charge”, NCA iri kupinda muvanhu ichivadzidzisa nezvehuipi hwebumbiro remitemo richaburitswa nehurumende, sezvo iri kuti harisi kubva muvanhu.

Sangano iri rakaramba kupinda muhurongwa hwekunyorwa kwebumbiro uhu, uhwo hwaitungamirirwa nekomiti yakadomwa nehurumende yeCOPAC.

NCA yakakurudzira zvakare veruzhinji kuramba kutambira bumbiro idzva mureferendamu yakaitwa muna Kurume 2000.

Mutauriri weNCA, VaMadock Chivasa, vaudza Studio7 kuti misangano iyi ichapa vanhu mukana wekuti vanzwisise nyaya yebumbiro remitemo nemaipiro aro.

XS
SM
MD
LG