Accessibility links

Breaking News

VaCharamba: VaMugabe Havatoresi VaNcube Mhiko Yekutora Basa raVaMutambara


Mutauriri wemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, VaGeorge Charamba, vanoti mutungamiri wenyika haasi kuzotoresa mutungamiri weMDC diki, VaWelshman Ncube, mhiko yekuti vave mutevedzeri wemutungamiri wehurumende kusvika nyaya yakakwidzirwa kumatare nevamwe vebato ravo yapera.

Pane vamwe vakakwira kudare kuchikwata chaVaNcube vachiti havasi kutambira kusarudzwa kwavo pamwe nemaitirwo akaitwa congress yakasarudza hutungamiri hutsva muna Ndira. Vanhu ava vakanyora zvakare tsamba kuna VaMugabe vachiti VaMutambara vasabviswe pachigaro chemutevedzeri wemutungamiri wehurumende muhurumende yemubatanidzwa.

Izvi zvinonzi zvapa kuti muhurumende yemubatanidzwa muite zinyekenyeke zvichitevera kutsika tsika kwava kuita VaMugabe.

VaMugabe vakaudza vatori venhau neMugovera kuEthopia kumusangano weAfrican Union kuti zvichanetsa kutoresa VaNcube mhiko kana VaArthur Mutambara mbune vasati vati havachadi basa iri.

Asi VaCharamba vati havo VaMugabe havadi kupindira munyaya dzekurwisana kwemapato.

Magweta haasi kuwiriranawo panyaya iyi. Vamwe vanoti VaMugabe havana simba rekuita izvi, asi vamwe vanoti vanokwanisa kuzviita. VaNcube vanoti vari kuronga kutaura naVaMugabe pamusoro penyaya iyi. VaNcube vanoti VaMugabe vanofanirwa kunzwa zvinobva mubato ravo, iro rakabuda nechisungo chekuti VaNcube vatore basa raiitwa naVaMugabe.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi raVaMutambara sezvo vasiri kudaira nharembozha yavo kubva zvatanga chimoto ichi.

Mutevedzeri waVaNcube, VaEdwin Mushoriwa, vanoti mashoko aVaCharamba ndeemunhu asingazive zvizere nezvinoreva Global Political Agreement.

XS
SM
MD
LG