Accessibility links

Breaking News

VaMzila-Ndlovu Vanobhadhariswa Mari yeChibatiso


Mapurisa neChipiri akambochengetedza magweta matatu enhengo dzeZimbabwe Lawyers for Human Rights, pamwe nenhengo dzeMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube dzinosvika sere.

Magweta ambochengetedza ndiVaLizwe Jamela, Nosimilo Chanayiwa naNikiwe Ncube. Vatatu ava vange vachienda kudare rekuHwange uko kwange kuchitongwa gurukota rezvekupodza maronda, VaMoses Mzila-Ndlovu, pamwe namufundisi Marko Mkandla, avo vakasungwa neChishanu vachipomerwa mhosva yekukurudzira vanhu kuti vapandukire mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe. Vaviri ava vanonzi vange vakasungwa necheni mumaoko nemumakumbo.

Asi vaviri ava vari kuramba mhosva yavari kupomerwa. Magweta aya azoregedzwa akakwanisa kusvika kudare sezvo nyaya yanonoka kunzwikwa mudare nekuti vachuchisi vange vachakamirira kunzwa kubva kuhofisi yemukuru wavo kuti vobata sei nyaya iyi.

VaMzila-Ndlovu naVaMkandla vazobvisirwa madhora mazana mashanu pamunhu semari yechibatiso uye vari kutarisirwa kubuda mutirongo neChitatu sezvo gwaro ravo rekufambisa range richidiwa nedare range risipo. Nhengo dzeMDC inotungamirwa naVaWelsham Ncube dzambochengetedzwa dzinosanganisira mutauriri webato iri, VaNhlanhla Dube, nevamwe vavo vanomwe.

VaDube vanoti mapurisa ambovachengetedza achiti motokari dzavo hadzina kunge dzakanyoreswa zvakaanaka.

Mune imwe nyaya, vatori venhau vaviri vekuNewsDay vanoti Wisdom Mudzungaire naVerenanda Langa vanonzi vambodaidzwa kumuzinda wemauto weDefense House kuti vaudze vakuru vemauto kuti ndiyani akavaruma nzeve kuti mukuru wemauto, General Constantine Chiwenga, vange vachirwara.

Kunyange hazvo gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaEmmerson Mnangangwa, vakatenda kuti VaChiwenga vainge vachirwara uye vainge vaenda kuChina, mauto anonzi ange achida kuti azive kuti ndiyani wacho akatanga azvitaura.

Vatori venhau ava vanonzi vaudza mauto aya kuti vakaudzwa nezvaVaChiwenga nemunhu asina kuda kutaura zita rake.

Vane ruzivo nezviri kuitika muvasori vanoti hofisi yemutungamiri wenyika haisi kufara nevanhu vari kufumura hapwa muhurumende kunyanya kudivi reZanu-PF. Izvi zvinoteverawo kuburitswa kwemashoko ekuti mudzimai waVaMugabe, Amai Grace Mugabe, vari kurwara.

Asi mupepeti webepanhau reNewsDay, VaBrian Mangwende, varamba kuti vatori vavo venhau vambodaidzwa nemapurisa.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaCharles Mangongera, vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka kudivi raVaMugabe, izvo zviri kupa kuti vamwe vakuru muchiuto vagare vakavhunduka.

XS
SM
MD
LG