Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoita Hurukuro neMutungamiri weNigeria


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, neChitatu vakaita hurukuro nemutungamiri weNigeria, VaGoodluck Jonathan, pamuzinda wavo weState House muAbuja, kuNigeria.

VaTsvangirai vakakurudzira kuti Nigeria neAfrican Union dzipindire pagakava remuZimbabwe kuitira kuti munyika musazogume moita hondo seyakaitika kuIvory Coast mushure mekunge vaimbova mutungamiri wenyika iyi, VaLaurent Gbabgo, varambira pachigaro mushure mekukundwa musarudzo.

Vachitaura nevatori venhau mushure memusangano naVaJonathan, VaTsvangirai vati zvakakosha kuti Nigeria ibatsirewo SADC mukugadzirisa gakava remuZimbabwe. VaJonathan vakavimbisa kuti vachabatsira kuti Zimbabwe isadzokerezve mumadhaka mayakambopinda nenyaya yezvematongerwo enyika.

VaJonathan vati Africa inofanira kuratidza kuti inokwanisa kuita sarudzo dzisina mhirizhonga vakati zvido zvevanhu zvinofanira kuremekedzwa.

MuZimbabwe muri kunetsanwa zvikuru panyaya yekuvandudza mitemo uye kutara zuva resarudzo. Asi vamwe vanoti pari zvino AU ine zvakawanda zvekuita zvakafanana nenyaya yehondo yekuLibya uye nzara kuSomalia zvekuti nyaya yeZimbabwe inotombosendekwa parutivi.

VaTsvangirai vari kutarisirwawo kushanyira Ivory Coast. Mushure mezvo vari kutarisirwa zvakare kushanyira America, uko vachasangana nemutungamiri wenyika iyi, VaBarack Obama, nevamwe vemabhizimisi muAmerica muna Gunyana.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaTrevor Maisiri, vanoti United Nations chete ndiyo ingatogadzirise dambudziko reZimbabwe.

XS
SM
MD
LG