Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inonzi Iongorore Kubhinywa kweVanhukadzi muna 2008


Masangano anorwira kodzero dzevanhu anoti Research and Advocacy Unit pamwe nere Zimbabwe Association of Doctors for Human Rights, abudirira kuita musangano negurukota rinoona nezvevanhukadzi, Amai Olivia Muchena veZanu-PF, vakavakurudzira kuti vaongorore nyaya yekuti madzimai akawanda akabatwa chibharo munguva yesarudzo dzemuna 2008.

Madzimai aya anonzi akabatwa chibharo nevanhu vanosanganisira mauto, mapurisa pamwe nevatsigiri veZanu-PF.

Studio7 haina kukwanisa kutaura naAmai Muchena kuti tinzwe kuti bazi ravo rachiita seyi nehumbowo hwavapihwa.

Masangano akawanda anoti nyaya dzemhirizhonga dzakadai dzinofanirwa kuongororwa vezvematongerwo enyika vasati vatanga kutaura nyaya dzesarudzo gore rinouya.

Vanhu vakabatwa chibharo vanoti vanoziva vanhu vakapara mhosva idzi asi kusvika pari zvino hapana chati chaitwa kuvanhu ivava.

Masangano akaita ongororo akurudzira kuti mapazi ehurumende akaita serekuchengetedzwa kwemukati menyika, rehutano, rinoona nezvemabasa emadzimai, remitemo pamwe nerevashandi, aongorore nyaya dzekubatwa chibharo kwemadzimai.

Sachigaro veZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, Dr Douglas Gwatidzo, vanoti zvakakosha kuti nyaya dzakaparwa idzi dziongororwe nekuti kubhinya munhu kutyora mitemo yenyika.

XS
SM
MD
LG