Accessibility links

Breaking News

Commonwealth Policy Studies Unit Inoti MDC Ngaishandure Maitiro


Rimwe sangano rekuBritain rinoti bato reMDC huru rinofanirwa kushandura nzira dzaro dzekurwisana nebato reZanu PF, kuburikidza nekuzvivandudza, kuitira kuti rikwanise kuwana rutsigiro rwevanhu.

Vachitaura muLondon pamusangano wakarongwa neCommonwealth Scholarship Commission mukupera kwesvondo, mutevedzeri wemukuru webazi reCommonwealth Policy Studies Unit, Doctor Leo Zeilig, vakati vanosvora zvikuru bato reMDC nekukundikana kwarakaita kuita zvaraitarisirwa kuita muna 2008, panguva yaraitarisirwa kubvisa mutungamiri weZanu PF uye vari mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pachigaro.

VaZeilig vakati chave kufanirwa kuitika kuzvivandudza kweMDC kuitira kuti irambe ichirwisana naVaMugabe nebato ravo reZanu PF, kana kuti kuvepo kwerimwe bato rezvematongerwo enyika.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, Professor John Makumbe, vaudza Studio7 kuti bato reMDC ringashorwa zvaro asi ndiro chete bato munyika rakakwanisa kukunda Zanu PF musarudzo, zvaitadzwa nemapato ezvematongerwo enyika akawanda.

XS
SM
MD
LG