Accessibility links

SADC Yotsamwiswa neKushungurudzwa kweVanhu Munyika

  • Blessing Zulu

Vatungamiri venyika dzekuchamhembe kweAfrica vanonzi havasi kufara nenyaya yekuti divi reZanu-PF muhurumende yemubatanidzwa riri kuramba richipfuvisa vanopikisana nawo nemasangano akazvimirira oga izvo zvava kupa kuti vakuru venyika idzi vati zvinhu zvivandudzwe zvikuru mumauto nemapurisa.

Vakuru muSADC vataura neStudio 7 vanoti havasi kufara nemashoko ekuti mapurisa ari kurova nekusunga vanhu vanenge vachida kunamata kuGlen Norah. SADC iri kusangana mwedzi unouya kuti izeye nyaya yeZimbabwe.

Munyori weSADC, VaTomaz Salomao, vaudza Studio7 kuti vari kuNamibia kugadzirira musangano wekukurukura gakava riri muZimbabwe.

Asi vati havasati vasumwa nezvekushungurudzwa kwevanhu muZimbabwe namutongi gava panyaya yeZimbabwe, uye vari mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaTrevor Maisiri, dzinoti SADCndiyo inotofanira kubata Zimbabwe ruoko kuti ivandudze zvinhu.

XS
SM
MD
LG