Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanopokana neMashoko aVaKasukuwere


Mutungamiri wehurumende uye vari mutungamiri werimwe bato reMDC, VaMorgan Tsvangirai, varamba mashoko akataurwa negurukota rezvekupa upfumi kuvatema, VaSaviour Kasukuwere, ekuti hurumende iri kuronga mutemo unoita kuti itore zvikamu makumi mashanu nechimwe mumigodhi yose yemakambani ekunze.

Vachitaura neChitatu kumusangano wekukwezva vemabhizimusi vekunze wakapera neChitatu muHarare, VaKasukuwere vakazivisa kuti neChishanu chino hurumende ichaburitsa mutemo mutsva uyu kuitira kuti uchitanga kushanda.

Mutauriri waVaTsvangirai, VaLuke Tamborinyoka, vaudza Studio7 kuti VaKasukuwere vakapiwa basa nedare remakurukota rekuti vanoongorora nzira dzingashandiswa mukutora zvikamu kubva kumakambani ose, uye havasati vadzoka kudare iri nezvavakawana.

VaKasukuwere varamba kutaura nezvenyaya iyi, vachiti Studio 7 itaure naVaTsvangirai mbune.

XS
SM
MD
LG