Accessibility links

Masangano Akazvimirira Oshoropodza Mhirizhonga

  • Jonga Kandemiiri

Sangano remubatanidzwa wemachechi, reZimbabwe Council of Churches, rinoti riri kukurudzira vatungamiri vemapato ezvematongerwo enyika kuti vafunge zvakadzama pakutara nguva yesarudzo.

Sangano iri rinotiwo vezvematongerwo enyika vanofanirwa kukurudzira kumiswa kwemhirizhonga pamwe nekusafambiswa kwemashoko anokonzeresa mhirizhonga.

Sangano iri rinoti zvinhu izvi ndizvo zviri kukonzera kuti nyika irambe ichinyura mumatope emhirizhonga, izvo zviri kuzokanganisa magariro everuzhinji.

Machechi nemasangano akazvimirira akawanda munyika ari kunyunyuta nemakwiriro ari kuita nyaya dzemhirizhonga, uye mabatirwo adziri kuitwa nemapurisa.

NeSvondo, mubatanidzwa wevatungamiri vedzisvondo weHeads of Christian Denominations in Zimbabwe wakashambadza mubepanhau reThe Standardmashoko ekukurudzira kuti munyika muve nerugare rwusingaperi. Studio7 haina kukwanisa kutaura nevemachechi kuti tinzwe zvakawanda.

Sachigaro weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaJonah Gokova, vaudza Studio7 kuti sangano ravo reCrisis in Zimbabwe Coalition rakaisawo gwaro reshambadzo rekukurudzirawo runyararo munyika.

XS
SM
MD
LG