Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai naVaMugabe Vanosangana neMuvhuro Vachizeya Zviri Kunetsa


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vakadzoka munyika neSvondo kubva kuSingapore kwavanga vachirapwa, vasangana nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamusangano wavaita neMuvhuro.

Vatungamiri vaviri ava vanga vachitarisirwa kukurukura nyaya dzinosanganisira mhirizhonga iri kuitika munyika pari zvino, pamusoro pedzimwe nyaya dziri kuvhiringidza mafambiro akanaka ehurumende yemubatanidzwa.

Mutauriri waVaTsvangirai, VaLuke Tamborinyoka, vaudza Studio7 kuti VaTsvangirai naVaMugabe vazobvumirana kuti vasangane neChishanu kuitira kuti vakurukure nezvezvinetswa zvakatarisana nehurumende yemubatanidzwa.

VaTsvangirai vanonzi vari kuda kuti VaMugabe vatsanangure pamusoro pemhirizhonga iri kuitika munyika, iyo iri kunzi iri kukonzerwa nemauto, sezvo vari ivo mukuru wemauto, kana kuti Commander In Chief of the Defence Forces.

VaTsvangirai, avo vakambozivisa kuti havasi kuzopinda musarudzo dziri kutarisirwa kuitwa gore rino kana zvavari kuda kuti zvigadziriswe zvisina kugadziriswa, neSvondo vakaudza vatsigiri vavo panzvimbo yemabhizimusi yeSwereki kuBeitbridge kuti bato ravo richapinda chete musarudzo kana dzichinge dzakachena.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari Programs Manager weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPedzisai Ruhanya, vanoti VaTsvangirai vangave zvavo nechido chekuona kuti mhirizhonga yapera munyika, asi kana Zanu PF isina kuzvipira, hapana chinoitika.

XS
SM
MD
LG