Accessibility links

VaMukonoweshuro Voramba Kuti Vashandi Vakawedzerwa Mihoro

  • Jonga Kandemiiri

Eliphas Mukonoweshuro

Gurukota rezvevashandi vehurumende, Professor Eliphas Mukonoweshuro, varamba mashoko ekuti vashandi vehurumende vakawedzerwa mari dzavo dzemihoro kutanga mwedzi uno.

VaMukonoweshuro vati hakuna mumwe munhu ane kodzero yekuzivisa nezvemari dzevashandi vehurumende kunze kwavo ivo segurukota rinomirira vashandi ava.

Mashoko aVaMukonoweshuro anopokana nezvakaziviswa nesangano rinomirira vashandi vehurumende, reApex Council, neChishanu chapfuura mushure mekusangana nevamiriri vehurumende mumusangano weNational Joint Negotiating Council zvekuti hurumende yakanga yabvuma kuwedzera vashandi vayo mari dzemihoro.

Vashandi vehurumende vari kuda kuti vawedzerwe mari dzavo kusvika paPoverty Datum Line, iyo iri pa$502.00 pari zvino.

Asi Apex Council yakazivisa kuti vashandi vakanga vawedzerwa mari dziri pakati pemadhora makumi matatu nerimwe nemadhora makumi mashanu pamusoro pemari dzavanotambira pamwedzi.

Pamusoro pezvo mari dzavo dzekubatsirikana dzakanzi dzakanga dzawedzerwa zvakare.

VaMukonoweshuro vaudza Studio7 kuti havasati vatambira zvakasungwa mumusangano wesvondo rapera.

Asi sachigaro weApex Council, Amai Tendai Chikowore, vati sangano ravo rinomira nezvarakazivisa vashandi sezvo zviri izvo zvakabuda mumusangano wavo nevamiriri vehurumende.

XS
SM
MD
LG