Accessibility links

Migwagwa Yoramba Ichitora Hupenyu hweVanhu Vakawanda

  • Blessing Zulu

Vanhu vanosvika makumi matatu nevatatu vakafa munjodzi mbiri dzakaitika munyika pakati pemusi weMugovera nemusi weChipiri.

Njodzi yekutanga yakaitika mumugwagwa weHarare-Concession, yechipiri ikaitika mumugwagwa weMutare-Harare pakafa vanhu gumi nevana.

Vanhu vakawanda vakakuvarawo munjodzi idzi. Nyaya yenjodzi idzi yave kukanganisawo zvakanyanya vanhu magaririo avo.

Nyika yarasikirwa nevanhu vakawanda mumigwagwa kubva nyika yawana kuzvitonga.

Vanhu ava vanosanganisira vaimbi, vezvematongerwo enyika vane mukurumbira saSam Mtukudzi, Amai Susan Tsvangirai, VaRwizi Ziyenge, VaSydney Malunga nevamwe. Njodzi dzave kuitawo semwana atsva dumbu amai vachitsva kumusana sezvo muzvipatara musina mishonga, kushaikwa kwavana chiremba vakakwana, uye kushomeka kweropa rekupa vanene vawirwa netsaona.

Vakawanda vari kubvunza kuti chii chaizvo chiri kupa kuti migwagwa irambe ichidya vanhu vakawanda zvakadi, asi vachishaya mhinduro inogutsa.

Sachigaro wekomiti yedare reparamende inoona nezvemigwagwa nekufambiswa kwevanhu nezvinhu, VaBlessing Chebundo, vanoti zvakawanda zviri kupa kuti mumigwagwa mugare muine ropa izvo zvinosanganisira migwagwa, vatyairi uye chioko muhomwe.

Asi VaThomas Zongoroti, sachigaro vesangano reMadutavanhu Transporters Association rekuManicaland, vanoti vatyairi vari kudhurirwa nezvinhu zvopa kuti vagume votyora mitemo yemimigwagwa.

XS
SM
MD
LG