Accessibility links

Breaking News

EU Yotumira Nhumwa Dzayo kuZimbabwe


European Union inoti iri kutumira nhumwa dzayo kuHarare svondo rinouya kunosangana nevamiriri vehurumende, vemabhizinesi pamwe nevemasangano akazvimirira oga.

Rwendo urwu nderwe kutsvaga nzira dzekudyidzana neZimbabwe. EU yazivisa neChina kuti vachatungamira nhumwa idzi ndiVaNick Westcott, vanova gukurokota rinoona nezvekudyidzana kwe EU neAfirca.

Nhumwa idzi dzichava munyika kwemazuva maviri, uye dzichibva muZimbabwe dzichananga kuSouth Africa kunopinda musangano we EU-South Africa Summit.

Zvinonzi nyaya yezvirango zvakatemerwa nhengo dzeZanu PF, kusanganisira mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ichakurukurwa mumisangano ichaitwa nenhumwa dzeEU idzi pamwe nevamiriri vehurumende.

Nyanzvi mune zvematongero enyika, VaRejoice Ngwenya, vanoti chinhu chakanaka kuti vanhu vataurirane. Asi VaNgwenya vanoti vakuru vemuZimbabwe vakatemerwa zvirango vanofanirwa kuremekedza kodzero dzevanhu pamwe nekuremekedza mitemo yenyika.

XS
SM
MD
LG