Accessibility links

VaTsvangirai Vanoti Makurukota eZanu PF Haasi Kuvateerera

  • Blessing Zulu

Zvinhu zvinonzi zvakaita manyama amire nerongo muhurumende yemubatanidzwa zvopa kuti mamwe makurukota ehurumende arambe kuteerera mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Mugwaro ravo remutungamiri wehurumende repasvondo, VaTsvangirai vanoti makurukota mazhinji eZanu PF ari kuramba kupota achivasuma zvaari kuita sezvinodiwa nechibvumirano cheGPA.

VaTsvangirai vati zvinhu zvasvika pakaipa zvekuti vave kutyira kuti nyika inogona kuguma yoenda kumawere chaiko. Vati vakamboedza kutaura naVaMugabe asi hapana chakabuda.

Asi veZanu-PF vataura neStudio 7 vatiwo havasi kufara nekuti gurukota rezvemari, VaTendai Biti, havasiwo kuteerera zviri kutaurwa naVaMugabe. VaTsvangirai vanonzi vakatogeza maoko saPiratu panyaya iyi. VaBiti vatiwo handi chokwadi kuti havateerere VaMugabe asi kuti havana mari yekuita zvinodiwa naVaMugabe nevamwe muhurumende.

Gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vaudza Studio7 kuti VaTsvangirai havasi kureva chokwadi nekuti vanoenda kuhofisi kwavo nguva dzakawanda nekuda kwavo vasina nekukokwa kwese.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaCharles Mangongera, vanoti maumbirwo ehurumende yemubatanidzwa ndiwo anopa kuti zvinhu zvinetse zvose.

XS
SM
MD
LG