Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Voramba Zvakare Kutambira Zvakabuda kuSADC


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vakakundikana kuti SADC ibvise mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, kuva mutongi gava panyaya yeZimbabwe, vanoti vave kuda kuti VaZuma mbune vayananise kwete kutumira nhumwa dzavo kuzogadzirisa zvinhu munyika.

Zanu-PF inoti nhumwa idzi dzave kurasika gwara. Vachitaurawo kubepanhau reHerald, VaMugabe vakati havasi kuda kuti SADC itumire nhengo nhatu dzichashanda neJOMIC vachiti uku kupindira munyaya yeZimbabwe.

Kumusangano weSADC Summit wakapera kuAngola neChina, VaMugabe vakambosimudzawo nyaya iyi asi vamwe vatungamiri venyika vakatsika madziro.

Muzvisungo zvayo, SADC yakati nhengo idzi dziri kuzoenda kuZimbabwe kunopedzisa basa radzakapihwa.

Asi semucherechedzo wekuti vatungamiri veSADC vave kuneta nenyaya yeZimbabwe, VaZuma vakaudza vatori venhau kuAngola kuti nyaya yeZimbabwe yave kufanira kuchipera nekuti yave neguva yakareba ichitaurwa.

Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti SADC haifanire kunyanya kupindira munyaya yeZimbabwe.

VaElton Mangoma, avo vanomiriririra MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai munhaurirano, vanoti zviri kutaurwa naVaMugabe hazvina maturo ose.

Mashoko aVaMangoma atsinhirwawo naVaMoses Mzila-Ndlovu, avo vanomiririra MDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, vatiwo JOMIC inofanira kusimbiswa.

XS
SM
MD
LG