Accessibility links

Breaking News

ZCTU Yoronga Kusangana neMDC-T Kuti Izeye Nyaya dzeVashandi


Sangano revashandi reZCTU rinoti riri kuronga kugara pasi nebato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai kuti vakurukure nezvematambudziko akatarisana nevashandi vazhinji munyika.

Sangano iri rinoti mamiriro akaita nyaya dzeupfumi hwenyika ndiwo ari kupa kuti rigare pasi neMDC votsvaga nzira dzekugadzirisa matambudziko aya.

ZCTU yati izvi zviri kukonzerwa nemitemo yezveupfumi yakapeyama iri kushandiswa nehurumende, iyo iri kukanganwa vashandi.

Sangano iri rinotiwo raona zvakakodzera kuti rigare pasi neMDC-T sezvo riri iro chete bato muhurumende yemubatanidzwa rinogona kuteerera zvinobva kuvashandi.

Mutauriri mutsva weMDC, VaDouglas Mwonzora, vati bato ravo rakagadzirira kusangana nevashandi uye kunzwa zvichemo zvavo.

VaMwonzora vatiwo bato ravo rakawirirana kukongiresi yaro ichangobva kuitwa kuti rinofanirwa kudzokera kuzvisungo zvarakaita parakaumbwa.

Mutungamiri weZCTU, VaLovemore Matombo, vaudza Studio7 kuti hurumende inofanirwa kugadzirisa nyaya dzinosanganisira kodzero dzevashandi, nyaya dzemihoro, mabatirwo ari kuitwa vashandi nevamwe vashandirwi pamwe nezvimwe zvakadaro.

XS
SM
MD
LG