Accessibility links

Breaking News

Sangano reEIU Rinoti Hupfumi Hungangodzikira Pasi


Sangano re Economic Intellegence Unit, kana kuti EIU rinoti hupfumi hwenyika hungangodzikira pasi nekuda kwekusamira zvakanaka kwenyaya dzezve matongerwe enyika.

EIU inoti gore rinouya, muZimbabwe muri kutarisirwa kuitwa sarudzo, izvo zvinogona kupa kuti zvinhu zvisamire zvakakaka munyaya dzehupfumi.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti nguva zhinji panoitwa mhirizhonga, hupfumi hwenyika hunodzikira. Maonero esangano iri anosiyana zvishoma nesangano re International Monetary Fund, IMF, iyo inotiwo hupfumi hwenyika huchange hwakwira ne 4,5 percent panosvika pakati pegore – gore rinouya.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, vari Executive Director ve Employers Confederation of Zimbabwe, VaJohn Mufukare, vanoti mabhizinesi haiti zvakanaka kana munyika musina kugadzikana.

XS
SM
MD
LG