Accessibility links

Breaking News

Bhodhi reKuendeswa kweUpfumi kuVatema Rosangana neVemigodhi


Vakuru vakuru vebhodhi rinoona nezvekuendeswa kweupfumi kuvatema, reNational Indigenisation and Economic Empowerment Board, vari kutenderera mumakambani emigodhi ari munyika vachiita misangano yekuti vanzwisisane pakugovanwa kweupfumi pakati pevaridzi vemakambani, vashandi, vagari vemumatunhu aya pamwe nehurumende.

Sachigaro webhodhi iri, VaDavid Chapfika, vati vane tarisiro yekuti vagari vematunhu ane migodhi iyi, vawane cheuviri kubva muzviwanikwa zvemumatunhu avo.

Hurumende yakadzika mutemo unosungira vemakambani ekunze kuti vape zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana zvemasheya avo kuvatema.

Chikwata ichi chiri kushanyira matunhu eMatebeleland pari zvino.

NeChitatu, gurukota rezvekuendeswa kwehupfumi kuvatema, VaSavior Kasukuwere, vakati pane makambani anodarika makumi mashanu angangorasikirwa nemarezinisi awo sezvo asina kugutsa hurumende mutsananguro dzehurongwa hwemashandiro aachaita pasi pemutemo mutsva uyu.

Asi nyanzvi mune zvematongerwo enyika, VaCharles Mutasa, vaudza Studio7 kuti maitirwo ave kuitwa nyaya dzekupa upfumi kuvatema ave kumhanyiswa zvakanyanya, zvikuru nebato reZanu PF, sezvinonzi vapinda muhurumende gore rino.

XS
SM
MD
LG