Accessibility links

Zanu PF Inoti Dare Ravana Sorojena Mwana weMDC

  • Jonga Kandemiiri

Bato reZanu PF rinoti harisi kuzotambira dare ravanasorojena kana kuti Zimbabwe Council of Elders, iro rakaparurwa svondo rapera nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai.

Mugwaro rakaburitswa neZanu PF, bato iri rinoti rine humbowo hwekuti dare iri riri kushandiswa nebato reMDC senzira yekuda kushandura hurumende muZimbabwe, uye kuzadzisa zvido zvevekumadokera.

Vachinyora mugwaro iri, munyori anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaRugare Gumbo, vanoti bato ravo richaramba kutambira dare iri uye vari kukurudzira vana veZimbabwe kuti vasavawo nechekuita nedare ravanasorojena iri.

VaGumbo vatiwo vamwe vevanhu vari mudare iri vatsigiri veMDC vanozivikanwa, uye vamwe vacho havana kumbobvira vabvunzwa kuti vanoda here kana kuti kwete kuve mudare iri.

Asi vakafanobata chigaro chekutungamira dare ravanasorojena iri, Professor Gordon Chavunduka, vanoti dare ravo harina bato rezvematongerwo enyika rarakarerekerana naro, vachiti vane urombo nemashoko eZanu PF aya sezvo chinangwa chedare ravo chiri chekugadzirisa zvinetswa munyika zvisinei nezvematongerwo enyika.

XS
SM
MD
LG