Mumiriri weNyanga North, VaDouglas Mwonzora, vanonzi vasungwa neChipiri panze peparamende nemhosva isati yazivikanwa.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumapurisa kuti chii chavasungira VaMwonzora.
Bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti riri kushushikana nekukwira kuri kuita nyaya dzekushungurudzwa uye kusungwa kwenhengo dzaro munyika.
Mumiriri weGokwe-Kabuyuni, VaCostin Muguti, nenhengo gumi neimwe dzebato iri, vakasungwa mukupera kwesvondo, vakapiwa mukana wekuti vatongwe vari kunze neMuvhuro.
MDC inoti nhengo dzayo dzeparamende nhanhatu kuMasvingo dziri kutarisirwa kupinda mudare dzichipomerwa mhosva yekukanganisa musangano waikokerwa naVaJabulani Sibanda veZanu PF.
Mukupera kwesvondo muHarare, kwakasungwawo nhengo dzeMDC makumi mashanu nenhatu, kunyange hazvo dzakazoregwa neMuvhuro dzisina mhosva yadzakapomerwa.
Mutevedzeri wemutauriri weMDC, Muzvare Thabitha Khumalo, vanoti mapurisa neZanu PF vari kuda kukanganisa hurongwa hwekongiresi yebato ravo.