Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inorangarira Zuva reVana Vadiki muAfrica


Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika dzepasi rose mukucherechedza zuva revana vadiki vemu Africa pasi rose, kana kuti United Nations Day of The African Child. Zuva iri rinocherechedzwa makore ose musi 16 Chikumi.

Zuva iri ndere kuyeuka kuurayiwa nekukuvadzwa kwakaitwa vana vechikoro muna 1976 mu Soweto ku South Africa, avo vakaratidzira vachishora rusaruraganda rwakange rwuripo munguva iyi.

Sangano re United Nations Children’s Fund, kana kuti UNICEF, rinoti riri kunetsekana zvikuru nekushungurudzwa kunoitwa vana vadiki muZimbabwe.

Sangano iri rinoti rinotarisira kuti bumbiro idzva remitemo yenyika riri kunyorwa, richagadzirisa mitemo inozoomesera vasingabati vana vavo zvakanaka.

Rimwe remasangano anomirira vechidiki muZimbabwe, reYouth Initiative For Democracy in Zimbabwe, rinoti richange richirangarira zuva iri muguta reMutare neChishanu umo sangano iri richaunganidza vechidiki kuti vachenese kiriniki yemuSakubva.

Mukuru we Youth Initiative for Democracy in Zimbabwe, Va Sydney Chisi, vanoti vari kufadzwa nezvirongwa zvekurangarira zuva iri zviri kuitwa nesangano ravo nemamwe masangano anoshanda nevechidiki..

XS
SM
MD
LG