Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inowedzera Zvakanyanya Mari dzeMarezinesi eVatori Venhau


Hurumende yawedzera zvakanyanya mari dzinobhadharwa nemakambani enhau ekunze pamwe nevatori venhau vanovashandira makambani aya.

Zimbabwe Media Commission, ZMC, inoti makambani enhau aya anofanirwa kubhadhara mari inoita zvuuru zvitanhatu, US$6,000 kubva pazviuru zviviri nemazana mashanu, kana kuti US$2,500.

Vatori venhau vanoshandira makambani ane mizinda kunze aya vanonzi vabhadhare madhora mazana mana kubva pazana remadhora.

ZMC inoti mari iyi inofanirwa kubhadharwa neChishanu uye imhosva kusevenza munyika munhu asina rezinesi.

Vanorwira kodzero dzevatori venhau vanoti zvaitwa neZMC zvinotyora zviri muchibvumirano cheGlobal Political Agreement, GPA, sezvo chibvumirano ichi chichikurudzira kuti venhau vashande vasina zvimhingamupinyi zvakawanda.

Sangano reZimbabwe Union of Journalists rinoti rakatyamadzwa zvikuru nemaitiro eZMC. Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuZMC kuti seyi yakakwidza mari idzi zvakadai.

Advocacy Officer weMISA-Zimbabwe, VaThabani Moyo, vanoti zviri kuitwa nehurumende kutyora chibvumirano cheGPA.

XS
SM
MD
LG