Accessibility links

Breaking News

Vatungamiri veSADC Vokwidzwa Matare neVarimi Vakatorerwa Mapurazi muZimbabwe


Zvisati zvamboitika munyaya dzekuendesana kumatare edzimhosva, zvizvarwa zviviri zvemuZimbabwe zvakatorerwa mapurazi azvo nehurumende, zvaendesa kumatare edzimhosva vatungamiri gumi nevashanu venyika dzemu SADC, kusanganisira mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachida kuti dare reSADC Tribunal rirambe richishanda.

Varimi ava ndiVaWilliam Michael Campbell vane purazi kuChegutu, pamwe naVaLuke Tembani, avo vane purazi kuNyazura.

Vaviri ava vanoti vatungamiri veSADC, avo vakamisa dare reSADC Tribunal kushanda vachiti paongororwe zvinofanirwa kunge zvichiitwa nedare iri, vanofanirwa kuvhura dare iri kuitira kuti ripedze kuzeya nyaya dzaranga richitonga. Gore rapera, vakuru veSADC ava vakamisa dare iri kwemwedzi mitanhatu, izvo zvakapa kuti risashande, kudzamara ongororo yaiitwa yapera. Dare iri rakapawo mitongo yaibata hurumende yaVaMugabe iine mhosva yekuita rusarura payakabvuta mapurazi pasi pechirongwa chayo chekuendesa ivhu kuvatema.

Ari kutaura akamirira varimi ava, VaBen Freeth, ve SADC Tribunal Rights Watch, vanoti vatungamiri veSAD vanofanirwa kuziva kuti vanofanirwa kuchengetedza kodzero dzevanhu vemuSADC

Gweta, uye vachishandawo sakomishina weZimbabwe Media Commission, Va Chris Mhike, vanoti vakuru veSADC vanofanirwa kuremekedza mitemo pamwe nekodzero dzevanhu.

XS
SM
MD
LG