Accessibility links

Breaking News

Hurumende yeAmerica Yowedzera Zvirango neGore


President Barack Obama speaks in the East Room of the White House in Washington, Wednesday, March 2, 2011, before presenting 2010 National Medal of Arts and National Humanities Medals. (AP Photo/Charles Dharapak)

Hurumende yeAmerica yawedzera zvakare negore rimwe chete zvirango zvayakatemera mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nevamwe vavo mubato reZanu PF.

America yatora danho iri kunyange hazvo VaMugabe vakaparura hurongwa hwekukurudzira kubviswa kwezvirango izvi mazuva mashoma apfura.

Mutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, vanoti vaona zvakakodzera kuwedzera zvirango izvi vachiti Zanu PF ichiri kuenderera mberi ichityora kodzero dzevanhu uye kuita mabasa emhirizhonga.

Ukuwo European Union yakawedzerawo zvirango zvayo mazuva mashoma apfura, kunyange hazvo yakabvisa vamwe vanhu pazvirango izvi.

Mukokeri weZanu PF mudare reparamende, VaJoram Gumbo, vanoti havazi kufara zvachose nedanho ratorwa neAmerica.

Nyanzvi inoongorora zvematongerwo enyika, VaRejoice Ngwenya, vanoti VaObama vaita zvakanaka nekuti Zanu PF haisi kuremekedza chibvumirano cheGlobal Political Agreement, uye iri kuramba ichityora kodzero dzevanhu..

XS
SM
MD
LG