Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanotanga Basa Nekuyambira Vatsigiri Vavo


Mutungamiri wehurumende, uye vari mutungamiri werimwe bato reMDC, VaMorgan Tsvangirai, vatanga basa neChitatu mushure mekumbozorora kubva pakati paZvita.

VaTsvangirai vakadzoka munyika neChipiri ndokuita mabiko kumba kwavo, uko vakasangana nehutungamiri hwebato ravo. Vakatora mukana uyu kukurudzira vana veZimbabwe kuti varambe vakashinga uye kugadzirira shanduko.

VaTsvangirai vakatiwo musangano mukuru webato ravo uri kuitwa muna Chivabvu, uchave mucherechedzo wekuzvarwa patsva kwebato ravo, apo riri kugadzirira kuumba hurumende mushure mesarudzo idzo dziri kutarisirwa gore rino.

VaTsvangirai vakati basa ravo riri kutarisira kukunda musarudzo idzi, uye vatsigiri vavo vanofanirwa kugara vakagadzirira sarudzo idzi.

Mutauriri waVaTsvangirai, VaLuke Tamborinyoka, vanoti VaTsvangirai vari kuda kuti hurumende yemubatanidzwa irambe yakatarisira kuzadzisa zvido zvevana veZimbabwe.

Kunyange hazvo VaTsvangirai vatanga basa, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, havasati vadzoka kuzororo kwavari. VaMugabe vari kutaurwa mumapepanhau kuti vari kurapwa kuMalaysia asi hurumende inoti ichi hachisi chokwadi.

Bepanhau reNewsDay rinoti kubva neChipiri, Ndira 18, mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, ndivo vari kuita basa raVaMugabe, iro ranga richiitwa naVaJohn Nkomo.

Hazvisati zvazivikanwa kuti chii chakaitika pana VaNkomo kuti vatambidze mukmbe kuna Amai Mujuru VaMugabe vachiri pazororo.

XS
SM
MD
LG