Accessibility links

Breaking News

SADC Yokurudzirwa Kugadzirisa Zvachose Nyaya yeZimbabwe


Sangano reHuman Rights Watch nemamwe masangano akazvimirira oga anoti musangano weSADC uri kuitwa kuAngola svondo rinouya kutanga musi weChipiri unofanirwa kugadzirisa zvachose gakava riri muZimbabwe.

Nyaya yeZimbabwe iri kukandwa mudariro pamusangano uyu. Mutungamiri weSouth Africa, uye vari mutongi gava panyaya yeZimbabwe, VaJacob Zuma, vachasvitsa kumusangano uyu gwaro ravo rinotaura nezvemamiriro akaita zvinhu muZimbabwe.

Nhumwa dzaVaZuma, idzo dziri kubatsira VaZuma kunyora gwaro iri, dziri kupinda muZimbabwe neChina kuti dziite hurukuro neJOMIC pamusoro pemamiriro akaita zvinhu munyika.

Human Rights Watch inoti nyika dzakaita seZimbabwe, Angola, Malawi neSwaziland, dziri kutonga nedemo uye SADC inofanira kugadzirisa zvinhu munyika idzi.

Human Rights Watch inotiwo Zimbabwe neAngola, idzo dzingangoita sarudzo gore rinouya, dzinofanira kunyatsoongororwa sezvo dzichigona kuita mhirizhonga yakanyanya.

Masangano akazvimirira oga, machechi uye vashandi vanotiwo vatungamiri venyika dzemuSADC vari kukundikana kuunza hutongo hwejekerere kuchamhembe kweAfrica.

Masangano aya anotiwo SADC inofanira kuratidza meno ayo kwete kusiya vamwe vatungamiri venyika vachityora kodzero dzevanhu.

Nyanzvi munyaya dzvezvematongerwo enyika, VaPedzisayi Ruhanya, avo vanova Programmes Manager wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, vanoti SADC inokwanisa kupinza Zimbabwe mugwara uye iri kuratidza kuti ndozvairi kuita.

XS
SM
MD
LG