Accessibility links

Breaking News

Amai Makone naVaMohadi Vanopesana paNyaya yeMhirizhonga


Makurukota maviri ezvemukati menyika anoti Amai Theresa Makone, veMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, pamwe naVaKembo Mohadi veZanu PF, vakasangana neMuvhuro vakazeya nyaya yemhirizhonga iri kuramba ichikwira zvikuru muguta reHarare nedzimwe nzvimbo.

Makurukota maviri aya anonzi haana kuwirirana panyaya yekuti ndiyani ari kukonzeresa mhirizhonga pakati pemapato maviri aya.

Svondo rapera, Amai Makone vakasangana zvakare nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanove zvakare Commander in Chief of the Defence Forces, vakazosanganawo zvakare nemukuru wemapurisa, VaAugustine Chihuri, vakakurukura zvakare nenyaya yemhirizhonga iyi.

National Security Council iri kutarisirwawo kusangana neChishanu svondo rino kuti izeye nezvedambudziko iri.

Vatiwo vari kutarisira kuti musangano weChishanu uyu uchabuda nechisungo chichapedza mhirizhonga.

Vatsigiri veZanu PF, zvikuru mumusha weMbare, muHarare, vari kupomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga vachirova pamwe nekuputsa midziyo yevatsigiri veMDC.

XS
SM
MD
LG