Accessibility links

Breaking News

VaMangoma Vanosungwa Zvakare neMapurisa


Gurukota rezvemhando dzemoto, VaElton Mangoma, vasungwa zvakare neChishanu mangwanani vachipomerwa mhosva yekushandisa masimba avo zvisiri izvo pakupindira pamatenda akaitwa nekambani yeZESA.

VaMangoma, avo vasungirwa pamba pavo vava kugadzirira kuenda kubasa, vamiswa pamberi pedare neChishanu masikati, vakanzi nemutongi wedare, VaKudakwashe Jarabini, vagare mutirongo, kudzamara nyaya yavo yava kutongwa.

Dare raramba kutambira chikumbiro chemagweta aVaMangoma chekuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso, kuitira kuti vatongwe vachibva kumba kwavo.

Asi gweta raVaMangoma, VaSelby Hwacha, vakaudza dare kuti kusungwa kwaVaMangoma hurongwa hwevanhu veZanu PF muhurumende vari kuda kugara vakavashungurudza.

Vati zviri pachena kuti mapurisa ange asina kuferefeta nyaya iyi. Vatiwo kusungwa kwaVaMangoma kwakanangana nekuda kukanganisa sarudzo yaSpeaker of Parliament, idzo iyo ingangoitwa svondo rinouya.

Kunyange hazvo pava nekunetsana mumapato nepamusana pesarudzo yemutauriri weparamende, munyori weparamende, VaAustin Zvoma, vanoti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, havasati vatara zuva resarudzo dzemutauriri wedare repamende, kunyange vamwe vachiti dzingangoitwa Chipiri.

VaHwacha vati vari kuenda kudare repamusoro kunokumbira kuti VaMangoma vapihwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso. VaMangoma vakasungwa zvakare musi wa 10 Kurume, vachipomerwa mhosva yekushandisa hofisi yavo zvisiri izvo zvichinzi vakaita kuti kambani ye NOOA Petroleum ipihwe basa rekuuyisa mafuta eoiri munyika.

Zvichakadaro, rimwe remakurukota ezvemukati menyika, Amai Theresa Makone, vanoti vatiza muhofisi yavo mushure mekutambira mashoko ekuti mapurisa anga achiuya kuzovasunga.

Amai Makone vanoti vatambira zvakare mashoko ekuti mapurisa anga achida kusunga mumiriri weGlen View mudare reparamende, VaPaul Madzore, pamwe naVaLovemore Moyo.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari Executive Director weAfrica Reform Institute, VaTrevor Maisiri, vanoti matare anofanira kutonga asina divi raanorerekera.

Veruzhinji vanotiwo kusungwa kuri kuitwa nhengo dzeMDC kwakanangana nekuti vaite vashoma muparamende, izvo zvinozoita kuti sachigaro veZanu-PF, VaSimon Khaya Moyo, vakunde musarudzo yemutauriri weparamende.

Munyori mukuru muMDC yaVaTsvangirai, VaTendai Biti, vati pane humbowo hwekuti mapurisa ari kuronga kusunga nhengo pfumbamwe dzebato ravo kubva pari zvino kusvika nemusi weChipiri.

Vatiwo mapurisa avarambidza kuita musangano wavange vakaronga nemusi weSvondo kuZimbabwe Grounds achiti Zanu-PF inenge iine mitambo yenhabvu kunhandare iyi. Asi vati vachaenderera mberi nekuita musangano uyu kubudiriro uye VaTsvangirai pamwe nevakuru vakuru vebato iri vachataura pamusangano uyu.

XS
SM
MD
LG