Accessibility links

Breaking News

VaTomana Voudza VaZvoma Kuti VaMoyo Vanovhota Mudare reParamende


Muchuchusi mukuru wenyika, VaJohannes Tomana, vanoti vaudza munyori wedare reparamende, kana kuti Clerk of Parliament, VaAustin Zvoma, kuti vaimbova mutauriri wedare reparamende, VaLovemore Moyo, vachiri nhengo yeparamende yeMatobo.

VaZvoma vaimbenge vati VaMoyo, avo vakabviswa pachigaro chavo nedare reSupreme Court, havatenderwi kuvhota nekuti pavakatora chigaro chemutauriri wedare reparamende, vakabva vasiya chigaro chavo chekumirira Matobo muparamende.

Kunyange hazvo nyaya yekuti VaMoyo vanovhota here kana kuti kwete, yapedzwa naVaTomana, pave kutarisirwa kunetsana kukuru panyaya yeimwe nhengo yedare reparamende inofanira kudomwa neZanu-PF kuti itsive mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joyce Mujuru, sezvakatenderanwa muGlobal Political Agreement.

Pasi pechibvumirano ichi vatevedzeri vemutungamiri wehurumende nemutungamiri wenyika vanofanira kutsiviwa sezvo vachiita ma ex-officio members. Kunyangw MDC mbiri dzange dzaita izvi, Zanu-PF yainge isati yaita izvi kusvika pari zvino.

Mamwe magweta anoti Zanu-PF inokwanisa kudoma munhu uyu asi vamwe vanoti hazvikwanise kuti munhu adomwa uyu avhote nekuti anototora mhiko chete kana pave nemutauriri wedare mutsva, sezvo nhengo dzeparamende dzichitoreswa mhiko nemutauriri weparamende.

VaTomana vanoti zvave kuna VaZvoma kuti vaone kuti voita sei nezvavavaturira zvekuti VaMoyo vavhote.

XS
SM
MD
LG