Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Media Council Inopa Rezenisi kuBepanhau Idzva


Zimbabwe Media Council, kana kuti ZMC, yapa rezenisi rekudhinda bepanhau kukambani yemhuri yamuchakabvu, Va Roger Boka. Bepanhau iri richange richinzi Daily Mail.

Va Boka vakafa vaine hurongwa hwekutanga mapepanhau avo muna 1999. Hatina kukwanisa kubata mhuri yaVa Boka kuti tinzwe nezvehurongwa hwavo.

Asi sachigaro veZMC, Va Godfrey Majonga, vati mapepanhau akapihwa marezinesi anofanirwa kuchidhinda mapepanhau aya kuitira kuti vanhu vawane nhau dzakasiyana siyana.

Pepanhau re NewsDay, iro rinonzi riri kuita zvakanaka, ndiro rega rakakwanisa kudhinda nechimbi chimbi kubva pamapepanhu mana akapihwa marezenisi, ayo anosanganisirawo Daily News neSunday Gazett.

Va Majonga vatizve vari kuita hurukuro nevatori venhau kuti vagadzirise huwori huri kuitwa nevamwe vatori venhau vasiri kutevedzera zvinotarisirwa mubasa ravo.

Vva John Gambanga, ndivo mupepeti we Daily News, iyo isati yava kudhinda bepanhau rayo kunyange hazvo yakapihwa rezenisi.

VaGambanga vanoti vachiri kugadzirisa zvinodiwa kuitira kuti bepanhau ravo ringe rava kudhindwa munguva pfupi iri kutevera.

XS
SM
MD
LG