Accessibility links

Breaking News

MDC neZanu-PF Zvotatsurana neNyaya yeRubatsiro rweVanoshaya


Muhurumende yemubatanidzwa mave kuburitsiranwa zvakare kwemakano pakati peMDC neZanu-PF nenyaya yemari yehurumende inosvika zana remamiriyoni, US$100 million yekutenga mbeu nezvekudya zvekubatsira vanoshupika munyika.

MDC inoti mari yembeu nechikafu iyi, iyo yakasunzwa nemakurukota ehurumende yemubatanidzwa kubva kumapato ose ari matatu, ndeyekubatsira vanhu vanodarika zvuru mazana mashanu. MDC inoti Zanu-PF yava kushandisa chirongwa ichi kutsvaga rutsigiro zvikuru mumaruwa.

MDC inoti chatove chigariro kuti kana poitwa sarudzo, Zanu-PF inenge yoda kushandisa mbeu nezvimwe kuti iwane rutsigiro muvanhu.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vanioti vatokwidza nyaya iyi kudare remakurukota ehurumende kuti iongororwe.

Asi mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanotiwo zviri kutaurwa neMDC hachisi chokwadi.

XS
SM
MD
LG