Accessibility links

Breaking News

Muchuchisi Mukuru weNyika Otemerwa Zvirango neAmerica


Hurumende yeAmerica neChipiri yakatemera zvirango zvekufamba kumuchuchisi mukuru wenyika, VaJohannes Tomana.

VaTomana vava pakati pevanhu vari muZanu-PF pamwe nevanodyidzana neZanu-PF vakatemerwamazuva zvirango neAmerica kubva muna 2002.

Izvi zvinoitika mazuva mashoma mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nebato ravo reZanu-PF vabuda nezvisungo kumusangano wavo wepagore zvekuti vachatsiva nekutora makambani enyika dzakaita seAmerica neBritain, kana nyika idzi dzikasabvisa zvirango zvavakatemerwa.

Mukuru mubazi reUS Treasury - Office of Foreign Assets, VaAdam Szubin, vanoti VaTomana vakatemerwa zvirango izvi nekuda kwekusatevedzera mutemo wenyika weZimbabwe pakuchuchisa nyaya dzinenge dzaparwa.

VaTomana vanonzi vanorerekera divi rimwe chete mukuchuchisa nyaya uye izvi zvinokanganisa kufamba zvakanaka kwehurumende yemubatanidzwa.

Nekuda kwezvirango izvi, VaTomana havachatenderwi kushanya kuAmerica kana kuita mabhizimisi nemakambani ekuAmerica.

America nedzimwe nyika dzekumawirira dzakatemera VaMugabe nevamwe vavo zvirango vachivapomera mhosva yekutyora kodzero dzevanhu.

Asi VaMugabe vakayambira Britain ne America kuti vachatsividza apo vaitaura nevatsigiri vavo kumusangano wepagore kwaMutare neMugovera. Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti kutemerwa zvirango kwaitwa VaTomana neAmerica kuchakanganisa mashandiro ehurumende yemubatanidzwa.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachishanda neCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPedzisayi Ruhanya, vanoti zvinhu zvagara zvaita manyama amire nerongo uye VaTomana vanofanira kurega kutora mativi pakuchuchisa nyaya.

XS
SM
MD
LG