Accessibility links

Breaking News

JOMIC Yosangana neJOC Svondo Rinouya


Zimbabwe President Robert Mugabe (file photo)

Boka reJoint Monitoring and Implementation Committee, kana kuti JOMIC, riri kutanga svondo rinotevera kuita misangano nevakuru vechiuto, mapurisa, vemajeri nevesangano revasori kuyedza kuvadzora mumashoko ari kutaurwa nevamwe vavo ayo okonzera kuti munyika muve nekugeda geda kwemeno.

Vana sachigaro veJOMIC vari mumapato matatu ari muhurumende, VaNichoals Goche veZanu-PF, VaElton Mangoma veMDC-T, pamwe naVaWelshman Ncube veMDC yaVaMutambara, ndivo vachaita misangano nevakuru ava.

VaMangoma naVaNcube vabvuma kuti misangano iyi iri kuitwa asi havana kuda kutaura zvizhinji. Asi vane ruzivo nezviri kuitika vanoti vakuru vezvekudzivirirwa kwemukati menyika nekunze vachadaidzwa mumwe nemumwe sezvo zviri kufungidzirwa kuti vakauya vose vanogona kufurirana kuzvidza masachgaro eJOMIC.

Police Commissioner General, VaAugustine Chihuri, vari kufamba vachiti havasi kuzosiya vanhu vasina kurwa hondo vachitonga nyika. Ukuwo gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kutyisidzirawo vanhu nemashoko akadai.

Vakawanda vanoti mapurisa nemauto vari kushandiswa neZanu-PF kuitsvagira rutsigiro.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaCharles Mangongera, vanoti kutaura nevakuru ava zvakafanana nekuteya nzou neriva.

XS
SM
MD
LG