NeSvondo rakanga riri zuva rekupedzisira kuti makambani ekunze ange audza hurumende hurongwa hwawo hwekuendesa hupfumi kuvatema sezvinodiwa nemitemo yenyika.
Makambani akakundikana kuita izvi, sekutaura kwakaita hurumende kuburikidza negurukota rezvekuendesa hupfumi kuvatema, VaSaviour Kasukuwere, anotorerwa marezenisi awo.
Pasi pemutemo mutsva, makambani ose ekunze anosungirwa kuendesa zvikamu makumi mashanu nechimwe kuvatema.
Kunyange hazvo pane makambani akati kuti akatevera kurudziro yehurumende iyi, panga pachine mamwe makambani anga asati aita izvi.
Studio7 haina kukwanisa kuziva kuti makambani mangani akaita zvakatarwa nehurumende, uye kuti makambani mangani akakundikana kuita izvi.
Chipanga mazano munyaya dzemitemo mubazi rezvekuendeswa kweupfumi kuvatema, VaPsychology Mazivisa, vanoti VaKasukuwere vachazivisa neChipiri matanho achatorwa nehurumende kune makambani atadza kuzivisa hurongwa hwawo mukati menguva yakatarwa nebazi ravo.
Asi nyanzvi munyaya dzezveupfumi uye vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanoti makambani akatadza kubata nguva yakatarwa nehurumende ane mukana mudiki kwazvo wekupikisa matanho angangotorwa nehurumende.