Accessibility links

Breaking News

Vatsigiri veMDC-T Vomiswa Mudare Vachipomerwa Mhosva yeKuponda Mupurisa


Dzimwe nhengo dzeMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai dzakasungwa mumusha we Glen View muHarare pakutanga kwesvondo rino, dzamiswa pamberi pedare neChishanu dzichipomerwa mhosva yekuponda mumwe mupurisa, Inspector Petros Mutedza.

Asi MDC inoti nhengo dzayo hadzina mhosva yadzakapara uye dziri kushungurudzirwa zvine chokuita nezvematongerwo enyika.

Nhengo dzeMDC gumi nembiri idzi dzamiswa pamberi pedare ramajesitiriti neChishanu dzichipomerwa mhosva yokuponda VaMutedza. Asi nhengo dzeMDC-T idzi dziri kuramba mhosva yadziri kupomerwa.

Rimwe remagweta enhengo idzi, VaCharles Kwaramba, vazivisa dare kuti pachadzoka nyaya iyi zvakare mudare musi wa 17 Chikumi, nhengo idzi dzichasvitsa chikumbiro kudare chokuti mhosva yadziri kupomerwa iraswe sezvo dzichiti hapana zvadzinoziva nekupondwa kunonzi kwakaitwa VaMutedza.

VaKwaramba vaudza dare kuti vasungwa ava vakashungurudzwa pamwe nekurohwa zvakawomarara nemapurisa vari muhusungwa.

Vati vasungwa ava, avo vanga vane maronda uye kuzvimba miviri yavo yose pamwe nemaziso akatsvuka neropa, vakashandisirwa magaro epfuti, bhutsu, zvibhakera nemboma dzemapurisa vachirohwa miviri yavo yose zvikurusei kumagadziko.

Vati vamwe vasungwa vakafanana naVaTungamirai Madzokere, avo vanove kanzura muGlen View, vakasungwa mawoko ndokujambirwa nemapurisa akawanda achivatsika-tsika mawoko anga akasungwa nengetani.

VaKwaramba vati VaMadzokere vanogona kunge vakakuvarira mukati zvichitevera kurohwa kwavakaitwa. Vaenderera mberi vachiti kushungurudzwa nekurohwa kwakaitwa vasungwa ava, uko kwaisanganisirawo kunyimwa chikafu pamwe nemukana wekuwona magweta avo, hakuna kumbosiyana nekutochwa.

Gweta revanhu ava rachemachema nekugariswa kwenguva yakareba kwakaitwa vasungwa ava vasingamiswe pamberi pedare mukati memaawa makumi mana nemasere sezvinodiwa nemutemo. VaKwaramba vati mapurisa haana zvakare kutsvaga mvumo yekuti varambe vakachengetedza vasungwa ava.

VaKwaramba vati Va Madzokere pamwe naMuzvare Yyvone Musarurwa vakatorwa nemapurisa vari muhusungwa ndokuendeswa panzvimbo inonzi yakaponderwa mupurisa uyu kuGlen View vakapfekedzwa mbatya dzeMDC ndokutorwa mifananidzo vari panzvimbo iyi.

VaKwaramba vaudza dare kuti havazivi kuti mapurisa anoda kuzoshandisa chii mifananidzo yema vhidhiyo iyi. Vatiwo zvakare VaLast Maingehama, avo vanove nhengo yekomiti yepamusoro yeMDC-T yeNational Executive, vakagariswa kukamba yeMatapi kunyange hazvo kamba iyi yakanzi nedare repamusoro soro reSupreme Court, haina kukodzera kuti ichengeterwe vasungwa.

Vati VaLast Maingehama vairohwa husiku muchitokisi nemapurisa uye vati pavakamboendeswa kukamba yeHarare Central, vamwe vasungwa, avo vanosanganisira munin’ina wavo, vakamanikidzwa kuti vavarove senzira yekuvanyadzisa sezvo vari mukuru muMDC-T.

VaKwaramba vakumbira dare kuti vasungwa ava varapwe nechimbichimbi nana chiremba vavanoda sezvo vachiti vasungwa ava havavimbi kuti vacharapwa mujere zvichitevera mabatirwo avakaitwa vari mumawoko emapurisa.

Asi izvi zvapikiswa negweta rehurumende, VaEdmore Nyazamba, avo vati vasungwa ava vanogona kurapwa zvakakwana nana chiremba vehurumende vari mujere.

Mutongi wedare, VaShane Kubonera, vazotura mutongo wekuti vasungwa ava varapwe nevarapi vehurumende vari mujere.

VaKwaramba vakumbirawo dare kuti kurohwa kwakaitwa vanhu ava kuferefetwe nehofisi yegweta guru renyika.

Asi Va Nyazamba vapikisa izvi vachiti nyaya iyi inogona kuferefetwa nekomiti yeparamende inoona nezvemitemo.

Asi VaKubonera vazotura mutongo wekuti vekwaAttorney General vaferefete nyaya iyi uye vasimbisa nyaya yekuti hofisi yaAttorney General isatore divi pakuferetwa kwenyaya iyi.

VaKubonera vati hurumende inofanira kunge yaunza kudare gwaro. Rine zvinenge zvabuda mukuferefetwa kwenyaya pachadzoka nyaya iyi kudare musi 17 Chikumi.

Hurumende inoti VaMutedza vakapondwa nenhengo dzeMDC-T idzi ku Glen View mushure mekunge bato iri raita musangano risina kupihwa mvumo.

Zvinonzi VaMutedza nemamwe mapurisa vakasvika panzvimbo yemabhizimusi painzi paitirwa musangano uyu ndokurohwa nevasungwa ava kusvika vaenda kwamupfiganebwe. Asi vasungwa vari kuramba mhosva yavari kupomerwa.

Mapepa asvitswa kudare nehurumende anoratidza kuti mapurisa achiri kutsvaga dzimwe nhengo mbiri dzeMDC-T dzinoti VaPaul Gorekore pamwe nevanonzi VaManyengavana pamusoro penyaya iyi.

Magweta nemapurisa audza Studio7 kuti pane vamwe vanhu gumi nevatatu vasina kuunzwa kudare neChishanu.

Vakuru mumapurisa vasina kuda kuzivikanwa nemazita avo vanoti vamwe vevanhu ava vabvuma kuti vave zvapupu zvehurumende uye vazhinji vacho vashandi vemubhawa reMunyarari Night Club kuGlen View 3.

Muchuchusi mukuru wenyika, VaJohannes Tomana, vanoti havasati vapirwa nyaya yabva kudare asi vanoti vachaona kuti nyaya iyi voibata sei.

Mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti mapurisa ari kushandiswa neZanu-PF kuonesa vatsigiri vavo ndondo.

Asi Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, varamba mashoko eMDC-T ekuti vari kushanda nemapurisa pakushungurudza nhengo dzebato iri.

XS
SM
MD
LG