Accessibility links

Breaking News

Maitiro eMapurisa Otsvamwisa Vatongi veMatare


Sangano rinomirira vatongi vematare amejasitiriti, reMagistrates Association of Zimbabwe, rinoti riri kushora zvikuru danho rakatorwa nemapurisa mudunhu reManicaland, rekusunga kwaakaita mutongi wedunhu iri, VaBilliard Musakwa.

Mugwaro rarakaburitsa neChina, sangano iri rinoti riri kukumbira mukuru wemapurisa, VaAugustine Chihuri, kuti vapindire munyaya iyi pamwe nekwarinoti kushungurudzwa kwevatongi.

VaMusakwa vakasungwa svondo rapera vachipomerwa mhosva yekuburitsa muhusungwa VaFarai Rimayi, avo vaipomerwa mhosva yekubhinya.

Sangano iri rinoti VaMusakwa vaitevera mutemo mushure mekunge vekumahofisi emuchuchisi mukuru wenyika vazivisa kuti vakanga vasiri kupomera mhosva musungwa nezvikonzero zvavakazivisa.

Mutungamiri wesangano revatongi vemumatare amejasitiriti, VaDouglas Chikwekwe, vanoti nhengo dzavo hadzisi kuzotyisidzirwa nezviri kuitwa nemapurisa.

XS
SM
MD
LG