Accessibility links

Zvitoro Zvomanikidzwa Kutenga Mifananidzo yaVaMugabe

  • Jonga Kandemiiri

Vechidiki veZanu PF muHarare vanonzi vari kumanikidza vemabhizimusi kutenga mifananidzo yemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuitira kuti vaiturike muzvitoro zvavo.

Vamwe vataura neStudio7 vati mifananidzo iyi iri kutengeswa nemadhora makumi matanhatu, uye vechidiki ava vanzi vari kutyisidzira vezvitoro ava kuti kana vasina kutenga mifananidzo iyi, vachatorerwa matanho akaomarara.

Bepanhau reNewsDay ratiwo munyori wezvedzidzo muboka revechidiki muZanu PF, VaLast Mbizvo, ndivo vari kutungamira hurongwa hwekumanikidza vemabhizimusi kutenga mifananidzo iyi.

Mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vaudza Studio7 kuti havana ruzivo nezvenyaya iyi sezvo vanga vasiri muHarare.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, Professor John Makumbe, vati kuita uku inzira yeZanu PF yekutsvaga rutsigiro nechisimba uye kuda kubira vemabhizimusi mari dzavo.

Mukuru weEmployers Confederation of Zimbabwe, VaJohn Mufukare, vati mifananidzo yemutungamiri wenyika inofanirwa kupiwa pachena nebazi rezvekuburitswa kwemashoko, kwete kutengeswa.

XS
SM
MD
LG