Accessibility links

Chirongwa cheKuvhota Muna 2018

Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, iri mubishi rekunyoresa vanhu kuitira kuti vazovhota musarudzo gore rinouya. Vane kodzero yekuvhota vari kukurudzirwa kunyoresa chirongwa ichi chisati chapera muna Ndira 2018.

Zvamunofanirwa Kuziva Kuti Munyorese

- Anokodzera kunyoresa kuti azovhota chizvarwa cheZimbabwe chine makore asiri pasi pegumi nemasere.
- Zvinodiwa pakunyoresa zvinosanganisira chitupa, pasipoti ichiri kushanda, uye gwaro rekuzvarwa kwako. Rezenisi rekutyaira haritambirwe.
- Zvinodiwa kuratidza paunogara zvinosanganisira bhiri remitero yaunobhadhara, ungave wemagetsi, mvura kana foni, uye zvose zviine nhamba yepamba paunogara zviri muzita rako. Unokwanisawo kunyora affidavit inosainwa nemagweta kana Commissioner of Oath. Vari kumaruwa vanogonawo kusainirwa naSabhuku kana Mambo wavo.
- Zvinodiwa musi wekuvhota zvinosanganisira chitupa, pasipoti kanawo rezenisi rekutyaira sezvo zvinodiwa zvakakosha zvinenge zviri muBVR nechekare.

Zvimwe zvamunofanirwa kuziva zvinowanikwa paindaneti yeZEC inoti http://www.zec.gov.zw.

Kana Usina Kunyoresa, Hauvhoti

  • Zimbabwe voter registration 2018 election

    Voter registration.

  • Zimbabwe voter registration 2018 election

    Voter identity verification.

  • Zimbabwe voter registration 2018 election

    Biometric voter registration kit.

  • Zimbabwe voter registration 2018 election

    Voter biometrics.

XS
SM
MD
LG