China -Zimbawe : China President visit to ZImbabwe

Rwendo rwemutungamiri weChina, VaXi Jinping, kuZimbabwe, huri kutsanangudzwa nevamwe kwete senhoroondo yakakosha chete, asi sechiratidzo chekubudirira kwegwara reZimbabwe mukudyidzana kwayo nenyika dzekumabvazuva. Rwendo rwaVa Xi rwunoitika apo hukama hwekudyidzana kwenyika mbiri idzi dzakasununguka hwava nemakore makumi matatu nemashanu. China inoshandisa chigaro chayo mu UN Security Council kutadzisa nyika dzekumavirira kuti UN itemere Zimbabwe zvirango.