Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri Kunze kweNyika Zvotarisira Kuvandudzwa kweZvinhu neHurumende

Dr Prisca Ngondo

Zvichitevera sarudzo nekutora mhiko kwemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemusi weSvondo, zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvinoti zviri kutarisira kuti zvinhu zvinogona kuvandudzwa zvikuru munyaya dzezvehupfumi nematongerwo enyika.

Zimbabwe yave nemakore ichitatarika munyaya dzezvehupfumi izvo zvakapa kuti vamwe vanhu vaende muhupoteri mune dzimwe nyika zvikuru kuSouth Africa nekuBotswana.

Kunyangwe vamwe vachitambira hurumende itsva yaVaMnangagwa, vamwe vanoti havasi kuitambira uye havaone ichiivandudza zvinhu. Vanoti vacharamba havo vachishava vari kunze kwenyika.

Asi vamwe, senyanzvi mune munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachidzidzisa paTexas State University, Saint Marcos, Doctor Prisca Ngondo, vanoti sezvo dzimwe sarudzo dzichauya makore mashanu anotevera vanhu havafanire kurasa mbereko nekufirwa.

Vanoti vanhu vanofanira kuisa musoro pamwe chete kuti nyika ibudirire. Vati havo kunyange havo vasina tarisiro huru kuti VaMnangagwa vangakwanise kupindudza zvinhu, vanovimba kuti vanhu veZimbabwe vachavatsigira kuti vakwanise kuvanduza zvinhu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro NaDoctor Prisca Ngondo