Zvikwata zvemuAfrica Zvoramba Zvichitatarika kuWorld Cup

  • Blessing Zulu

Zvikwata zvemuAfrica zviri kuWorld Cup kuRussia zviri kutatarika zvakanyanya zvekuti kusvika parizvino patambwa mutambo mumwe chete nenyika dzakawanda.

Nyika dziri kumirira Africa kumakwikwi aya dzinoti, Egypt, Morocco, Nigeria, Senegal neTunisia.

Nemusi weMuvhuro, chikwata cheTunisia chakagohweza chibodzwa chekutanga kumakwikwi ay apo chakatamba neEngland, asi chakagumazve charohwa 2-1.

Mune mumwe mutambo wakatambwa neMugovera, Nigeria yakarohwa 2-0 neCroatia.

Uruguay yakakunda Egypt 1-0 nemusi weMugovera uye musi mumwe chete iwoyo, Iran yakakunda Morocco 1-0.

Nemusi weChipiri, chikwata chakatarisirwa nevakawanda kuti chingangoshura mare cheSenegal chiri kutamba nePoland.

Sadio Mané à Barnet

Hapana chikwata chemuAfrica chati chambosvika mumasemi finals emakundano eWorld Cup.

Zvikwata zvakasvika mumaquarter finals eWorld Cup zvinoti Cameroon 1990, Senegal muna 2002 kuchizoti Ghana muna 2010.