soccer, gunners, caf, champions league, dynamos, football
Vatsigiri venhabvu vanoti vari kutarisira kuti zvikwata zveGunners neDynamos kuti zvichamirira nyika nemazvo mumakwikwi eConfederation of African Football (CAF) Champions League gore rinouya.
Gunners ndiyo yakatora mukombe we 2009 Premier Soccer League ichitevedzerwa neDynamos, iyo yakakunda Shooting Stars 3-1 neSvondo.
Dynamos yaita rombo rakanaka rwendo runo sezvo CAF yava kutora zvikwata zviviri zvenhabvu munyika yega yega kuti zvipinde mumakwikwi aya.
Mutori wedu wenhau dzemitambo, Michael Kariati, anotiwo zvikwata zviviri izvi zvinofanirwa kusunga dzisimbe kuitira kuti dzisimudzire mukombe wenyika mumakwikwi aya.