Zvikoro Zvovhurwa Mangwana Varairidzi Vachigunu'una Zvakanyanya neNyaya yeMari

  • Blessing Zulu

Doctor Takavafira Zhou

Mutungamiri wesangano reProgress Teachers Union of Zimbabwe kana kuti PTUZ Doctor Takavafira Zhou vanoti zvikoro zvikuvhurwa hazvo mangwana asi varairidzi vachinyuta nekushaya mari uye kunonoka kubuda kwegwaro rekutevedzera pakudzidzisa kana kuti syllabus.

Doctor Zhou vanoti vakapa mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa gwaro ravo renyunyuto asi chabuda hapana.

Vanoti vamwe vashandi vehurumende vakaita semauto nemapurisa vakawedzerwa mari kunyangwe hurumende iri kutsika madziro pakuvawedzerawo ichiti haina mari.

Hatina kukwanisa kutaura nevakuru kubazi rezvedzidzo nezvanyaya iyi sezvo vange vasiri kudaira nharembozha dzavo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Takavafira Zhou