ZIMRA Yonetsana neveMabhizimisi paNyaya yeMitero Inonzi Ibhadharwe neDhora rekuAmerica

  • Blessing Zulu

ZIMRA Commissioner General Faith Mazani

Gurukota rinoona nezvemaIndastiri VaMangaliso Ndlovu nemusi weMuvhuro vakaita musangano nevemaindusrty muHarare vachivakurudzira kuti vadzikise mitengo yezvinhu.

Asi VaNdlovu vakaudzwao nevemabhizimisi ava kuti havasi kufarawo nemimwe mitemo yehurumende inosanganisa danho rakatorwa neZIMRA rekuti vanenge vatengesa zvinhu nedhora rekuAmerica vabhadhare mutero nedhora iri kwete RTGS kana bond.

Mutungamiri wesangano reRetailers Association of Zimbabwe VaDenford Mutashu avo vakapinda mumusangano uyu vanoti vakakumbirawo VaNdlovu kuti vaende kunotaura negurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube panyaya yeZIMRA yekuti vamwe vabhadhare mutero nemadhora ekuAmerica.

Sangano reZIMSTATS svondo rapera rakaburitsa gwaro rinoratidza kuti mitengo yezvinhu yainge yakwira nezvikamu zvinodarika makumi maviri kubva muzana. Studio 7 haina kukwanisa kutaura naVaNdlovu sezvo vati vange vari mumusangano. Hatinawo kukwanisa kubata mukuru weZIMRA Amai Faith Mazani.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDenford Mutashu