ZIMPARKS Yobata Shumba Dzange Dzorura kuDete, Hwange

Mutauriri weZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority kana kuti ZIMPARKS VaTinashe Farawo vakazivisa nemusi weMugovera kuti bazi ravo richishanda nevamwe varinodyidzana naro vakabata shumba ina dzange dzarura kwemavhiki mana apfuura munzvimbo yeMabale neDete kuHwange.

Kubatwa kweshunba idzi kwakatambirwa nemufaro nevagari vemuzvimbo idzi sezvo shumba idzi dzange dzichidya zvipfuyo zvavo uye vanhu vange votya kufamba husiku.

VaFarawo vaudza Studio 7 kuti shumba idzi dzadzoserwa musango munogara mhuka vakati dzawandisa zvopa kuti dzigume dzoenda kumisha yevanhu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTinashe Farawo