Musangano Wekubvumirana Mitemo Yekuchengetedzwa KweVanhu Nenzvimbo Dzine Zvicherwa Uri Kuitwa kuCanada

Vanhu vakaungana pamugodhi paita njodzi

Musangano weGlobal Initiative for Responsible Mining, uyo uri kutsvaka kubvumirana kwenyika pasi pose mirairo yekubatwa kwevanhu vanoita basa rekuchera zviwanikwa pamwe chete nenzizi dziri kuparadzwa nekuchera uku, uri kuitwa muguta re Vancouver kuCanada.

Musangano uyu waunganidza varidzi vemakambani emigodhi, masangano anomiririra vashandi ne anorwira kodzero dzevanhu, vatengi vezvicherwa nevamwe vanechekuita nezvezvicherwa kuti vakurukure nekubvumirana nzira nemitemo yakanaka, inochengetedza vanhu vanoita basa rekuchera, vana nenzizi dziri padyo nepanocherwa.

Mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kwe Africa, VaDewa Mavhinga, avo vari kumusangano uyu, vaudza Studio 7 kuti musangano uyu une basa zvikuru kunyika yakaita se Zimbabwe ine migodhi yakawanda uye ine vanhu vazhinji vanorarama nekuchera zviwanikwa.

VaMavhinga vati chimwe chinhu chikuru chiri kukurukurwa pamusangano uyu, inyaya ye kuchengetedzwa kwevana vanomanikidzwa nenhamo kuchera zviwanikwa kuti vararamise mhuri dzavo. Vati mamwe emakambani ari pamusangano uyu anosanganisa Anglo American, de Beers, Microsoft, Tiffany’s, nemamwe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDewa Mavhinga