Mutungamiri weNyika, VaMnangagwa, Votarisirwa Kutura Mashoko avo kuMhuri yeZimbabwe

  • Ntungamili Nkomo

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangangwa.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vari kutarisirwa kutura mashoko avo kumhuri yeZimbabwe kana kuti State of The Nation Address, SONA, neChipiri masikati mudare reparamende.

Asi bato guru rinopikisa reMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa rinoti nhengo dzaro dzeparamende dzichatora matanho ekuratidzira panguva iyo VaMnangagwa vachange vachitaura sezvo bato iri risinga vacherechedze semutungamiri wenyika.

Mutauriri webato reMDC, VaDaniel Molokele vanoti bato ravo richiri kutsvaga nzira dzekuratidzira nadzo, sezvakamboita munguva dzapfuura apo mutungamiri wenyika vaitaura kuparamende, dzinosanganisira kubuda mudare.

Asi nhengo yeZanu PF, vari mumiriri weBulilima West muparamende, VaDingimuzi Phuti, vaudza Studio 7 kuti kana nhengo dzeMDC dzakabuda muparamende VaMnangagwa vachitaura ndidzo dzinenge dzarasikirwa zvikuru.

VaPhuti vati mutungamiri wenyika vari kutarisirwawo kuzivisa nyika pamusoro pematanho ari kutorwa nehurumende yavo ekugadzirisa nyaya dzezveupfumi hwenyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDaniel Molokele